HomeResourcesSabbath School quarterly

Kumutsa Mwoyo KwaMweya Mutsvene

01/06/2026

Paakafunga nezvekukura kwenzvimbo pakati pake nemukadzi wake, akaziva kuti akanga akanganisa. Akanga asina kuva nemutsa asi aiva aita hasha akataura zvaakazvidemba. Asi zvaakafunga pamberi pacho ndezvekuti; Haa angaasingazvikodzeri here, kana zvishoma hazvo zvezvandaita?

Kufunga kwakadai kwakajairika here kwauri? Zvirinyora kubva mukuzvishora nezvatinenge taita tichiinda pakuzvinyaradza nezvikonzero zvezvatinge taita, pakufunga kana kutaura. Hazvisi nyore nguva dzose kuti “ Ndine urombo . . .” kana taita zvakaipa, asi izvi zvakakosha chaizvo mukuwumba vukama hwakakanganisika nekusimbisa vukama.

Ndizvo zvatinongoitawo isu kuna Mwari. Mweya Mutsvene nguva zhinji anomutsa pfungwa dzedu kuzvivi zvatinenge taita. Mwoyo yedu inobatwa nekuda kwekumutswa uku, asi zvirinyore kuzvisandudzira kure nekunyaradza kazwi kaya kakapfava patinenge tave kuzviruramisa kuti nei taita zvataita. Rimwe remabasa aMweya Mutsvene “kuzivisa nyika nezvezvivi” (Johani 16:7, 8). Chipo chinoshamisa sei chinobva kuna Mwari (Ruka 11:13), nekuti tinoda sei kuziviswa kuti tigadzirise vukama hwavakukanganisika murwendo rwedu naye!

Fungisisa basa raMweya Mutsvene mukutibatanidzazve paMuzambiringa (Johani 15:4). “Tinowanzo rwadziwa nekuda kwezvakaipa zvinounzwa nezvivi pamusoro pedu; asi uku hakusi kutendevuka. Kurwadziwa kwechokwadi nekuda kwezvivi kunobva kubasa raMweya Mutsvene. Mweya anoratidza kusatenda kwemwoyo uyo wakatambudza nekurwadzisa Muponesi, nekutisvitsa pamuchinjikwa tichirwadziwa. Nechitema chimwe nechimwe Jesu anokuvadzwazve patsva; . . . tinowungudza nezvivi zvakamutambudza. Kuchema uku kuchatungamirira kukusiya chitema.”—Ellen G. White.

Chokwadi ndechekuti hatingakuri muvukama naMwari kana chitema chakasarudzwa nekuchengetedzwa chichipo. Hatigoni kuperera, asi tinogona—uye tinofanira—kutendevuka kubva muzvivi zvedu kana Mweya Mutsvene azviwunza mupfungwa dzedu (VaEfeso 4:30).