HomeResourcesSabbath School quarterly

Jobo

09/06/2026

Kana tichifunga nezvigumbuso muBhaibheri, Jobho ndiye wekutanga kuvuya mufungwa. Haana kungorasikirwa nefuma chete (Jobho 1:14–17), asi akafirwawo nevana vake (Jobho 1:18, 19) nevutano hwake (Jobho 2:7). Mukadzi wake akaedza kumuudza zano rekuti atuke Mwari afe zvake (Jobho 2:9).

Kwapera nguva, shamwari nhatu dzakavuya kuzogara naJobo. Vakashamiswa nezvaakanga ava zvekuti vakagara naye vasina remumuromo, kwemazuva manomwe (Jobho 2:13). Pakupedzisira, pavakazotaura, vakaedza kumuudza zvikonzero zvevanhu nei akawirwa nezvose izvi, asi mukuita izvi, vakamuwedzera kurwadziwa vasingazivi. Shamwari nhatu dzakamupa mhosva, vachiti anofanira kuva anezvivi zvakavanzika zvaakaita zvaasina kutendevuka kwazviri (Jobho 8, 11, 15), kutosvika pakuti, “ ‘Zvirokwazvo uhu ndiho hugaro hwevakasarurama, iyi ndiyo nzvimbo yevasingazivi Mwari’ ” (Jobho 18:21).

Zvisinei nenhamo yakanga yakamukomba, nekusanzwisisa kwake zvaiitika, Jobho akaramba akatendeka. Akabatirira pakutenda kwake. Haana kumhura Mwari kana kumutuka. Asi, paakaedzwa kuti ape Mwari mhosva, akati: “ ‘Ndakabuda mudumbu raamai vangu ndisina chinhu, ndichadzokerazve ndisina chinhu. Jehova vakapa, Jehova vatora; zita raMwari ngarikudzwe’ ” (Jobho 1:21).

Kana nesuwo tinogona kurarama mukati mehondo yakadai. Satani anotirwadzisa, anotora zvinhu zvedu, achishandisa nguva dzakawoma kukanganisa chimiro chaMwari anerudo. Munguva dzakadai, tinogona kuita chimwe chezviviri: kupa Mwari mhosva nekumuramba kana kubatirira paari zvakanyanya. Kana nepo hondo iri kutsviriridza pakati pedu, tinofanira kurangarira kuti, kana tichifunga nezvekusingaperi, matambudziko edu ndeenguva duku, pfupi chaizvo (2 VaKorinde 4:16–18). Kune zvakawandisa kupfuvura zvinovonekwa ikozvino pano, uye rimwe rematambudziko makuru kumutendi kuvimba naMwari kunyange munguva dzakaipisisa. Mwari aka, munzira zhinji kwazvo, zviratidza kwatiri murudo rwake rwezvokwadi—izvi zverudo rwaMwari—kana patisingaruvoni dzimwe nguva.