HomeResourcesSabbath School quarterly
Mwenga
23/06/2026
Aripachitsuwa chePatimosi, mudzidzi Johani akavoneswa zvazvichazova kana tazokumbanazve naMwari nekusingaperi.
Mwenga wakanaka chaizvo, uye musi wemutambo wake wekuwana, munhu wose anoda kumuvona. Musi wemutambo izuva idzva pamwechete muvupenyu hwemwenga nechikomba, uye chichava chokwadi chevukama hwedu naMwari pakudzoka kwake.
Jesu anga achitigadzirira nzvimbo (Johani 14:1–3), nzvimbo yakanakisisa zvinoshamisa zvisingagoni kutsanangurwa. Kutaura chokwadi, “ndimi dzevanhu hadzikwanisi kutsanangura mubairo wevakarurama. Zvichazivikanwa chete nevanozvitarisa. Hakuna pfungwa dzemunhu dzinganzwisisa mbiri yeParadiso yaMwari.”—Ellen G. White.
Kana nepo tisingakwanisi kunyatsonzwisisa zvakaita denga idzva nenyika itsva, Mwari vanoratidza Johani kuti nzvimbo iyi yakaita sei kuti titarisire “mutambo uyu wekuwana” uchaitika nekukasika. Zvechokwadi tiri kukokwa “ isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, musaisa pazvinhu zviri pasi panyika” (VaKorosi 3:2).
Mwari arikunyatsogarira chiitiko ichi, uye haadi kuti “mutambo wekuwana” uyu usvike tisingazivi (tarisa Mateo 22:1–14, Mateo 25:1–13).
Denga nenyika zvichavona chiitiko ichi chichiitika, uye isu takakosha munyaya iyi. Tichabatana “nemwenga,” guta iro Jesu achatipa pakudzokazve kwake. Zvinofadza, ndezvekuti vanhu vaMwari vanodaidzwa vo kuti mwenga (tarisa Zvakazarurwa 19:7), zvimwe nemhaka yekuti vari “muguta dzvene, Jerusarema Idzva, rinoburuka kubva kudenga kuna Mwari, rakagadzirwa semwenga wakagadzirirwa murumwe wake” (Zvakazarurwa 21:2).
Tsanangudzo iyi yakanaka kwazvo yeGuta Dzvene inoratidza kuti pane vukama hwakasimba pakati paMwari nevanhu vake neguta, nekuti zvose naivo zvinonzi “mwenga.” Bhaibheri rinotaura nyaya yakazara ye”Guta Dzvene, Jerusarema Idzva, riri muzinda nemumiririri wevushe, uye rinodaidzwa kuti “mwenga, mukadzi weGwaiana.’ ”—Ellen G. White.