HomeResourcesSabbath School quarterly

Mutemo

26/05/2026

Chitema kudarika mutemo waMwari (1 Johani 3:4), uye chitema wo chakamonerana nevupenyu hwedu (Mapisarema 51:5, Jeremia 17:9). Saka mutemo ndiwo unotiratidza kuti chitema chakaita sei. Mutemo wakafanana nekupfeka magirazi kuti tivone zvakatipoteredza zvakanaka kana kushandisa chivoni-voni kuti tivone zvatiri chaizvo. Unochenesa mavonero ekukanganisa muvupenyu hwedu nemuzvimiro zvedu, uchitivudzazve nezvechimiro chaMwari nezvakamukoshera.

Mirairo Inegumi (Ekisodo 20:3–17) yakanyorwa nemunwe waMwari chaiwo. Jesu akataura kukosha kwazvo izvi: “ ‘ “Ida Ishe Mwari wako, nemwoyo wako wose, nemweya wako wose, nekufunga kwako kose, nesimba rako rose. Wechipiri ndiwoyu: Ida wekwako sezvaunozvida iwe. Hakuna murairo mukuru kuna iyeyo’ ” (Marko 12:30, 31). Akawedzerazve achiti: “ ‘Murairo wose nevaprofita zvakabatanidzwa pamurairo iyi miviri’ ” (Mateo 22:40).

Mashoko aMwari kuvaIsraeri paGomo reSinai anoti kudini kwatiri (VaHebheru 1:1, 2) tiudzei kuti mutemo ndewevukama hwatakapiwa naMwari kuchengetedza vukama hwedu naye uyevo nevamwe. Asi, Satani akanganisa runako rwemutemo waMwari zvekuti vamwe vanouvona semutoro. Kuchengeta mutemo kuitira kuponeswa pasina rudo nerusununguko zvinowanza kubatanidzwa nemutemo, kana nepo Bhaibheri richitivudza kuti, “Nekuti rudo rwaMwari ndirwo kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi” (1 Johani 5:3).

  1. Pachikero chekubva pana 1 kusvika pana 5, Shoko raMwari rakakosha sei kwandiri?
  2. Kana ndichifunga nezvemutemo wamwari, unondirambidza here kana kuti unondisimbisa? Ko ndinganzwisisa sei mutemo kana zvatabva kutaura zviri zvechokwadi?
  3. Chii chingaitika kana mutemo waMwari werudo kwaari nevamwe waingaiswa pakati pevupenyu hwangu, mhuri yangu, nekereke yangu? Chii chingashanduka muvupenyu hwangu nemuvukama hwangu nevamwe?