HomeResourcesSabbath School quarterly

Zvinotaurwa NeBhaibheri

22/04/2026

Chii chingashanduka mumusha mako kana ukatsvaka muBhaibheri nguva yose painosangana nedambudziko rinoda sarudzo huru, dambudziko muvukama nevamwe kana rimwewo zvaro? Chii chingashanduka pabasa pako kana pakereke kudai mashoko eBhaibheri aishandiswa zvechokwadi kutarisa nyika nekurarama sezvarinotaura?

Vanyori veBhaibheri vaiziva kukosha kwemashoko eBhaibheri. Hakunazve rimwe bhuku ringataura kumwoyo wako sezvingaita mashoko aya. Mashoko aro anogona kugara mumapepa eBhaibheri, asi ungaachengeta sei mumwoyo mako?

Zvimwe izvo Bhaibheri rinotaura nezvaro zvinogona kuwanikwa muna VaHebheru 4:12. Munondo unocheka mativi maviri unesimba kwazvo uye wakapinza, asi Bhaibheri rinogona kuita zvisingakwaniswi nemidziyo yevanhu kumweya yavo. Bhaibheri rinozviti ibenyu. Dzimwe nguva unogona kunetsekana kuti zvinorevei izvi, zvikuru sei sezvarakanyorwa zviuru nezviuru zvemakore kare, asi Jesu anoti, “Mashoko andinotaura kwauri ndiwomweya, nevupenyu” (Johani 6:63). Kana mwoyo wako wakapwanyika kana kuti vupenyu hwako hurikuparara, Mwari anogona kutaura kwauri nekushandura zvose pauri. Testamende Yekare inotsanangurawo mashoko aMwari seanesimba benyu asina kufa kana kushaya zvaanokonzera (tarisa Isaya 55:11). Davidi paanotarisa simba remashoko aMwari muvupenyu hwake, akanyora achiti, “Ndizvo zvinonyaradza pakutambudzika kwangu; Nekuti Shoko renyu rakandiponesa” (Mapisarema 119:50).

Zvimwe wakamboita nzara huru kwazvo muvupenyu hwako, kana kuti wakatsanya ukazvidzora panezvimwe zvekudya. Zvekudya hazvinaki here zvikuru kana wavakuzvidya kubva munzara huru iyi? Munezvekunamata wo, Bhaibheri rinova vo zvekudya zvemweya.

Kana mweya wako usina chinhu unenzara, zarura Shoko benyu. Verenga Jeremia 15:16, 1 Petro 2:2, na Mateo 4:4.

Mashoko aMwari anotapira zvakanaka kupfungwa nemwoyo, uye kana tichiaverenga, achatizadza nekutichengetedza sezvakavimbiswa.

Mashoko ari muBhaibheri akabva kuna Mwari Pachake. Mwari akaatumira iye Pachake kwatiri nevamwe vanhu vose vanomutsvaka. Kana tichiaverenga nemunamato, nemwoyo inogashira, mashoko aya haashayi basa.