HomeResourcesSabbath School quarterly

Kudzidza Kuenda Mberi

01/05/2026

Chinangwa chekudzidza Bhaibheri kuziva Mwari nekukura muvukama naye, nekuti ndiho vupenyu husingaperi—kuva naye uyo watinoda (Johani 5:39, Johani 17:3).

Chimwe chikamu chevukama kuwirirana. Tinoverenga kuna Zvakazarurwa 3:20 kuti Jesu anotsvaka kuzviita izvi nesu, asi tinofanira kuziva kuti, sezvisikwa, tine zvakawanda zvatinodzidza nezveMusiki wedu. Semucheri wemugodi wengoda inokosha, tinofanira kugara tichichera nekutsvaka muBhaibheri. Kwagara kuine zvakawanda zvatinogona kunhonga, hazvinei kuti takaverenga nyaya dzemuBhaibheri kangani. “Hazvinei kuti akadzidza zvakadini, ngaarege kana nhambo imwechete zvayo kufunga kuti hakuchina chandingazvinetsera kutsvakurudza muMagwaro kuwana chiedza chitsva. Sevanhu, tinokokwa mumwe nemumwe woga kuva vadzidzi vezviprofita.”—Ellen G. White.

Hatifaniri kumanikidza Bhaibheri kupinda mumavonero edu nepfungwa dzedu. “Tichanzvera Magwaro sei? Ticharovera hoko dzekutenda kwedu imwe neimwe, nekuedza kuti Magwaro ose awirirane nezvatinoda nepfungwa dzedu here? Kana kuti tichainda nepfungwa dzedu kuMagwaro kuti atitungamirire nezvokwadi zvawo? Vakawanda vanoverenga nekudzidzisa Bhaibheri, havafungisisi zvokwadi yakakosha yavanodzidzisa kana kudzidza. . . . Vakawanda vanoisa mashoko avo kuMagwaro kuti awirirane nepfungwa dzavo.”—Ellen G. White.

Mibvunzo Yekutaurirana:

Pfupiso: Kudzidza Bhaibheri uri wega ndiyo nzira inesimba guru kwazvo yekuva nevukama naMwari. Shoko raMwari rinotaura kuvanhu venguva ino yekuma 2000 nenzira dzakakosha, sezvazvaingova kwemazana emakore akapera. Zvangangosiiwa vo mukuchengetedza vushamwari, tinofanira kutsvaka nzira dzekudzidza nekunamata munhu ariwoga kuti tigare muna Jesu, nekuvimba muzvitsidzo zviri muShoko rake “ ‘haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvandinoda, zvandakarituma” Isaya 55:11.