HomeResourcesSabbath School quarterly
Kuzvikudza Kuchipikiswa Nekuzvininipisa
11/04/2026
Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino
1 Johani 2:15–17, Ruka 18:9–14, 1 Johani 1:9, VaHebheru 11:24–26, Ruka 22:24–27, VaFiripi 2:3–8.
Chemusoro:
“Nekuti mumwe nemumwe anozvikudza uchaninipiswa, vuye mumwe nemumwe anozvininipisa achakudzwa” (Ruka 14:11)
Tose takambosangana nevanhu vanechindini, vanofunga kuti havambokanganisi. Kana kuti unoziva mumwe anofunga kuti ndiye anotonga nguva dzose, asingadi zano rinobva kune mumwe kana kutsoropadzwa zvako kunomuvaka. Kana mumwe munhu anogara achinetsa chete nguva dzose kana anoda zvekunyadzisa vamwe nguva dzose. Pfungwa dzedu dzinogona kukurumidza kufunga mumwe munhu, asi mubvunzo mukuru chaiwo ndewekuti: Ko iwe unoita sei? Nekunongedzera minwe kune vamwe nekuramba kuti isu hatizvikudzi, tinozvinyengera.
Tose takambonetsekana nekuzvikuda. Takambosvika panguva idzo tose tinoda kunzi, kuita, kutaura kana kuratidza sekuti tirinani kupfuvura avo, munezvimwe wo zvinhu. Mumwe akati kuzvikudza kunobva mukuda kuratida kuti takakosha. Asi tinofanira kugara tichizviziva izvi kuti takakosha nekuti takasikwa naMwari, uye tisu takafirwa naKristu.
Vhiki ino tichatarisa zvinogona kuitwa nekuzvikudza muvukama hwedu naMwari nevamwevo, uye tichatarisa kuti Bhaibheri rinodzidzisei nezvekuzvininipisa pamberi pevamwe nepamberi paMwari zvikuru sei.
*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, Kubvumbi 18.