HomeResourcesSabbath School quarterly

Zvizive

13/04/2026

Varume vaviri vanoenda kukereke kunonamata. Mumwe mutungamiriri anoremekedzwa anomira pamberi pekereke isati yatotanga, anomira kuti vanhu vamuone. Anonamato achidaidzira, achitenda Mwari nekunaka kwake kwaanovona iye sekuripo. Mumwe murume, munhu wepasi-pasi munzvimbo iyi, anomira kumashure kwekereke. Maziso ake akazara misodzi nekuda kwekurema kwezvivi zvake pamafudzi ake, mukona yeimba yekunamatira, anowira pasi nemabvi ake, achizevezera kupererwa kwake, “Ndapota Tenzi, ndinzwireivo ngoni, ini mutadzi!”

Zvirinyore kwazvo kuti tizvirumbidze. Dzimwe nguva inotozova tsika yedu yechipiri kuzivisa vamwe kukwanisa kwedu nekunaka kwedu. Sei zvinhu izvi, izvo zvoga, zvisina zvazvinobatsira kuchimiro chedu kana denga rakatitarisa? Chokwadi ndechekuti zvinotopikisana nezvatinofunga, nekuti “ ‘ani nani anozvikudza achaninipiswa, neanozvininipisa achasimudzirwa’ ” (Ruka 18:14). Jesu anotirairawo kuti tigare pakadzikira kuti mwene wemba agotisimudzira kana achida (Ruka 14:8–10). Uhu hushe hunenge hwakapidiguka hunodzidziswa naJesu hunopesana nezvinotarisirwa. “Ndiye woga anoziva kuti mutadzi achaponeswa naKristu.”—Ellen G. White.

Kungoziva chimiro chedu chezvivi nekushaya kwedu Kristu, tinogona kuvuya kwaari tichiziva chaizvo kuti “tikarevurura zvivi zvedu, Iye wakatendeka kuti kanganwira nekuti geza kubva mukusarurama kose” (1 Johani 1:9).

Patinonyanya kuswedera kuna Kristu, tinobva tavona kutadza kwedu nekusabatsirika kwedu. “Munzira imwechete umo matingazviziva. Tinofanira kutarisa kunaKristu. Kusamuziva kunoita kuti vanhu vataure zvakanyanya nezvekururama kwavo.”

Saka Mwari anofungei nezvevanhu vanozvida? Muna 1 Petro 5:5 tinovudzwa kuti “Mwari anovenga vanozvikudza, asi achipa nyasha kune vakazvininipisa.” Hakuna kujeka kungapfuura uku.