HomeResourcesSabbath School quarterly
Vupenyu Hunezvakawandisa Zvekuita
31/05/2026
Rangariri vhiki rinezvakawanda zvekuita. Kana nepo aiziva kuti zvekuita zvakanga zvakawandisa Sabata risati rasvika, akanga arohwa nenguva, asina kuzvifungira, zuva rakanga ratonyura. Mhuri yakadya pamwe kudya kwemaneru neFriday nekunamata pamwechete.
Asi pakasvika Sabata mangwanani akakurumidza kumuka, hazvina kutora nguva kuti avone kusviba kwaiva kwakaita bhavhu rekugezera, iro raakapukuta. Akabva avona kuti mwanakomana wake muduku akanga arasa mvura akarara, saka akabva angokandira machira ake mumushina wekuwachisa nedzimwevo nhumbi. Paaigadzira kudya kwemangwanani kwemhuri, akabva avona kuti pakanga pasina chekuzoseredzera vapedza kudya kukwemasikati, saka akabva akurumidza kubika keke remabanana. Akabva avona kuti murume wake aida kuainirwa hembe yekuinda kukereke akapfeka, saka akabva azviita wo, akabva apeta dzimwe hembe ndokudziisa munoiswa zvakasviba.
Akabva arangarira. ISabata—zuva randinofarira kupfuvura mamwe ose! Asi tarirai, ndaita mabasa ose aya nekubvumira kuti mabasa aya andikanganise zvinoreva Sabata chaizvo—kundiswededza petyo naMwari.
Kwekanguvana, pfungwa dzake dzakatanga kupa zvikonzero zvekuita zvaakaita—izvi zvose zvunhu zvaifanira kuitwa. Zvakanga zvisiri here? Akavona kuti aiita saMartha, “kukanganiswa nezvinhu zvakawanda” (Ruka 10:40), asi mazwi aJesu akaita mawungira mupfungwa dzake: “ ‘Unonetsekana nezvinhu zvakawanda. Asi chinhu chimwechete chinodikanwa, Maria wasarudza ichocho, chaisingazombotererwi’ ” (Ruka 10:41, 42). Chinhu chakanaka ichi. Kugara patsoka dzaJesu nekuda kwekumuda zvikurusa—risiri Sabata chete, asi mazuva ose. Akanga asina kusarudza chinhu chakanaka mangwanani.
Aida Mwari, asi zvaiva nyore kukanganwa kuti akanga apiwa Sabata sechipo chekusimbisa vukama. Misodzi pasina izwi rakanzwikwa yakadonha kubva mumaziso ake paakanga akamira paimba yekubikira akanyarara.
Chinangwa chemufananidzo uyu hachisi chekuratidza kuti ndezvipi zvaida kuitwa kana kusaitwa nezuva reSabata; asi chirangaridzo chezvinhu zvakakosha, nezvinhu zvinotipedza simba kana kuparadza vukama hwedu naMwari. Kana mwoyo yedu ichirwadziwa nekuda kwezvivi nekuparadzana tichadaidzira kwaari, Jesu aripedyo (Mapisarema 53:2). Mumavoko ake aneropa, anenguvo chena. Anovona misodzi yedu yekutendevuka achibva abvisa nguvo dzedu dzakasviba. Anotifukidza nenguvo yakachena yekururama. Kuchena kwake kunoputira zvivi zvedu—zvakazara nekuperera. Tinogona kugeza nguvo dzedu muropa rake (Zvakazarurwa 7:14).