HomeResourcesSabbath School quarterly
Nyasha Dzakaringana
03/06/2026
Kana tavakunzwa kuremerwa nezvivi tikabvumira Mweya Mutsvene kutitungamira kuinda pamakumbo emunjikwa, tinofanira kukumbira kuregererwa naMwari, tichiziva kuti “Jehova vane ngoni nenyasha, vachinonoka kutsamwa, vakazara netsitsi” (Mapisarema 103:8). Vhesi rimwechete iri rakataurwa naMwari Pachavo (Ekisodo 34:6) mushure mekurwadziswa nerudzi rwavo rutsvene.
Chokwadi chekuti Ishe vane ngoni nenyasha, vachinonoka kutsamwa, vazere netsitsi ndichovo chikonzero nei Jesu akafa pamuchinjikwa—kuitira kuti vukama hwedu naMwari hugadziriswezve.
Zvinoda kuti tibvume kutadza kwedu nekurevurura zvivi zvedu; kana tichiti, Haiwa Ishe, ndiripano zve. . . “ ‘Ivai netsitsi neni mutadzi!’ ” (Ruka 18:13), ndipo apo Jesu—agara achishanda matiri achitishandira naMweya Mutsvene tisati tamudaidza—anovona mutoro uyu nekuubvisa. Mitoro yedu inoturwa paKarivhari, zvechokwadi Jesu aripedyo kana tikavuya kwaari, dzimwe nguva kana tisati tavuya, iye anotitsvaka seMufudzi Wakanaka nekumira pamusiwo achigogodza (Zvakazarurwa 3:20). Ngatiregei kugara kure nemuchinjikwa, takatarisa kuna Mwari tirikure. Ngatimhanyei kuna Jesu tinotsinhana zvivi zvedu nemitoro tichipiwa kururama kwake (Zakaria 3:4).
Verenga mavhesi aya zvishoma nezvishoma. Nyora uchishandisa mazwi ako zvaanokuvudza nezvenyasha dzaMwari kwauri:
- “Mubairo wezvivi rufu, asi chipo chaMwari chinongopiwa pachena ndiho hupenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu” (VaRoma 6:23).
- “Asi pakawanda zvivi, nyasha dzakabva dzawandavo, nekuti sezvo zvivi zvakatonga murufu, nyashavo dzitonge kuburikidza nekururama kusvika kuvupenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu” (VaRoma 5:20, 21).
- “Mwari vakaratidza rudo rwavo kwatiri, mukuti Kristu akatifira tichiri vatadzi” (VaRoma 5:8).