HomeResourcesSabbath School quarterly

Zvigumbuso

06/06/2026

Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino

Marko 4:35–41; Marko 5:21–34; VaRoma 5:3–5; Jobho 19:23–27; Jobho 23:8–12; Ruka 24:13–27; VaRoma 8:18, 28.

Chemusoro:

“Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifare vo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunovuyisa kutsungirira; kutsungirira kunovuyisa kuidzwa; kuidzwa kunovuisa tariro; tariro hainyadzisi; nekuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumwoyo yedu neMweya Mutsvene watakapiwa” (VaRoma 5:3–5).

Humwe husiku, zuva parakanyura kumahombe-kombe, mumwe musikana wechiduku akanga achifamba achienda kumba muduku guru nemhepo. Akakanda rutsoka, achiziva kuti akanga achiri kure nemusha. Donwe rimwe rakawira padama rake, rimwezve rikatevera, asati azvifungira, akanga atotota. Akatanga kumhanya kusvika achingobheura musuwo wepamba pavo, baba vake vakamhanyira kwaari vachibva nekuwindo. Vakabva vamuputira nejira, vakamubvunza, “Ndakuvona nguva pfupi-pfupi yakapvuura wakamira mumvura zvinji ichikudhambisa. Nemhaka yei nemheni yakadaro, wamira ukatarisa mudenga uchinyemwerera?”

“Hoo-baba, ndamira ndakatarisa kumusoro,” akadaro, “nekuti Mwari angaachinditora pikicha!”

Ko isu tinoita sei kana dutu revupenyu richivuya kana kuti tiine manetswa makuru muvukama hwedu naMwari? Tinotarisa pasi here mvura ichirova kumusana kanakuti tinotarisa mudenga, mukuziva nekuvimba kuti Mwari ariko patinenge tichisimudzira chiso chedu kwaari?

Vhiki ino, tichatarisa zvimwe zvatinoita kana matambudziko evupenyu atitambudza. Tichatarisa kuti tinogona kushandisa manetswa evupenyu kutisimbisa here, kana kutipedza simba, zvikuru sei muvukama hwedu?

*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, Chikumi 13.