HomeResourcesSabbath School quarterly

Tarisa Jesu

11/06/2026

Wakamboshuva vo here kuvona Jesu pawaiva wakakuhunika? Zvivone muchiroto ichi*.*

“Ndakaita sendigere munhamo yakakurisisa kwazvo nekupererwa, huso hwangu huri mumavoko angu, ndichifungisisa ndichiti: Kudai Jesu aiva panyika, ndaingaenda kwaari, ndinozvikanda patsoka dzake, nekumuudza matambudziko angu ose. Haaizondisiya ndakadaro, aizondinzwira tsitsi, ini ndigomuda nekumushandira nguva dzose. Ipapo musuwo wakabva wazaruka, munhu akanga anechimiro chakanaka kwazvo akubva apinda. Akanditarisa achindinzwira tsitsi achiti: ‘Unoshuva kuvona Jesu here? Aripano unogona kumuvona kana uchida. Tora zvose zvaunazvo unditevere.’

“Ndakanzwa izvi nemufaro isingatauriki, ndikatora zvose zvandaiva nazvo nemufaro mukuru kwazvo, zvose zvakakosha, ndikatevera mutungamiriri wangu. Akanditungamirira kumanera akadzikira rimwe divi zvakanyanya. Pandakatanga kukwira manera aya, akandiyambira kuti ndirambe ndakatarisa kumusoro, kuti ndisaita dzungu ndikadonha. Vamwe vakawanda vaikwira manera aya vakanga vachidonhera kumawere vasati vasvika pamusoro.

“Pakupedzisira takasvika padanho rekupedzisira remanera tikamira pamusiwo. Apa mutungamiriri wangu akandivudza kuti ndisiye zvose zvandakanga ndavuya nazvo. Ndakazviisa pasi nemufaro; akazarura mukova akanditi pinda. Munguva duku ndakamira pamberi paJesu. Zvakanga zvisina mubvunzo wekuti chiso ichi chakanaka chaizvo ndechani. Hakuna mumwe aingava nechiso chakadai. Apo akanditarira, ndakaziva kuti aiziva zvose zvevupenyu hwedu nezviri mumwoyo mangu nezvandinonzwa.

“Ndakaedza kuvhara huso hwangu kubva kukutarisa kwake, ndichitadza kumira pawongororo yake inotyisa kwazvo, asi akaswedera pedyo neni achinyemwerera, akaisa ruvoko rwake pamusoro wangu, akati: ‘Usatya.’ Izwi rake rakatapira kwazvo mumwoyo wangu nerufaro zvandisina kumbonzwa kare. Ndakafara kwazvo zvekutadza kutaura, asi ndakazadzwa nerufaro, ndikawira pasi nechiso pamakumbo ake. Ndakarara ndakapererwa ndiripo, runako rukuru nembiri zvakapfuvura pamberi pangu, ndikanzwa kugarisika nerugare rwedenga. Simba rangu rikazodzokazve kwandiri, ndikamuka. Maziso aJesu anerudo akaramba akanditarira, kunyemwerera kwake kukazadza mweya wangu nerufaro. Huvepo hwake hukandizadza neruremekedzo rutsvene nerudo rusingatauriki. . . .

“Chiroto ichi chakandipa tariro. . . [ne] kutenda. . . . Runako rwekungovimba nekureruka kwekuvimba munaMwari zvakatanga kumuka mumweya wangu waiva wakasuwa.”—Ellen G. White.

Mukati mezvigumbuso zvevupenyu, tinofanira kutarisa kunaJesu nezvaanotiratidza pamusoro perudo rwaMwari kwatiri.