HomeResourcesSabbath School quarterly
Muparidzei
13/06/2026
Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino
Mateo 28:18–20, 2 Petro 3:18, 1 Petro 3:8–15, Hosea 7, Zekaria 10.
Chemusoro:
“ ‘Ishe Jehova wakandipa rurimi rwakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta nemashoko; unomutsa nzeve dzangu kuti ndizwe sevanodzidziswa’ ” (Isaya 50:4).
Wakanga uri musi weSabata masikati Mufudzi G. vaine basa rakawandisa. Vakanga vamuka mangwanani-ngwanani, kugadzirira Chikoro cheSabata nemharidzo, uye vakanga vaine musangano wekutsvaka mweya masikati acho. Vakatora makii avo, vakamhanya vachibuda pamukova, ndokumhanyisa motokari yavo vachienda.
Vakatyaira vachipesana nedzimwe motokari mudhorobha, vakatsamwira vanhu vakawanda vakanga vari mumigwagwa neSabata mangwanani vaigona kuzovanonotsa kusvika kukereke. Ko vaiendepi ko vanhu vose ava? Vasina kuzvifungira kune imwe motokari yakabva yavapindira pamberi. Vakatsika mabhiriki nesimba guru, vakasimudza chibhakera chavo nehasha, vachishevedzera kune mutyairi uyu mazwi ekutuka.
Mufudzi G. vakazosvika havo pakereke. Pavakasimuka kuti vadzidzise, meso avo akamhanya nepakati pekirasi yose akabva amhara pahuso hwavakaziva: mutyairi uya wemotokari yakavatsamwisa maminitsi angasvika 20 apfuvura.
Pamberi apo imwe nhengo yekereke yakazozivisa mutyairi uyu semuyenzi kuChisabata akanga asiri nhengo asi aishanyira hama yake, Mufudzi G. vakazivazve kuti kusangana kupi nekupi zvako nevamwe, kune vaunoziva kana vausingazivi, kunofanira kuzara nerudo runobva mukufambidzana naMwari. Haungazivi kuti zvaunoita, zvikuru sei semutendi, zvinobata vamwe sei.
*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, Chikumi 20.