HomeResourcesSabbath School quarterly

Kubva Pakupfachukira

14/06/2026

Jesu akatipa basa rekuparidza shoko rake kunyika: “Endai mupasi rose mudzidzise marudzi ose.” Basa rekereke yeMasabata nderekuita vateveri, avo vanoitavo vateveri. Nenzira iyi tinoparidza evhangeri isingaperi neshoko rengirozi nhatu (Zvakazarurwa 14:6–12) kugadzirira nyika yedu kudzokazve kwaJesu kwavapedyo.

Ani nani agashira vupenyu hutsva muna Kristu anodaidzwa kuva chapupu. Asi nguva zhinji, vanhu vanofunga kupupura sechinhu chavasingagoni kuita kana chavasingadi kuita. Unogona kuzvivona uchiparidza mumugwagwa wemudhorobha kana kudzidzisa Bhaibheri uchitaura nyaya yakawoma kwazvo, wobva wakazunza musoro wako. “Kwete ini! Hazviiti izvi! Ndiri munhu akazvinyararira; kupupura hachisi chinhu chandakasununguka kuita.”

Asi kupupura kwechokwadi kunongobva mumunhu akavona zvinoitwa naMwari muvupenyu hwake, kuvona zvaanokudzidzisa paunenge uchikura maari, nekutaurira vamwe zvawakaitirwa. Mwari wakanaka, nezvaakatiitira inyaya yakanakisisa inofanira kunzwisiswa nenyika. Hatigoni uye hatifaniri kunyarara! Akatidzikinura; akakudaidza nezita rako—uri wake. Kungava neimwe nyaya yakanaka kupfuvura iyi here kuna ani nani kose kose?

Kana nepo vadzidzi vekereke yekutanga vakanga vasina kudzidza kana kugona kutaura zvinonwisa mvura, zviripo zvatinodzidza kubva kwavari.

Petro na Johani vakasvika kutaura pachena zvinesimba, “ ‘Nekuti hatingaregi kutaura zvatakavona nezvatakanzwa’ ” (Mabasa 4:20). “Vakanga vafamba naJesu” (Mabasa 4:13) vakasundwa kumupupurira. Mweya Mutsvene akavapa kushinga nesimba rekubata pfungwa dzevamwe nemashoko avo.