HomeResourcesSabbath School quarterly

Pakupedzisira, Huso Nehuso

22/06/2026

Takasikirwa kuva pedyo-pedyo naMwari (Genesi 2:7). Kubvira paakasika vanhu, Mwari akapa zvose kudzoreredza vukama kwakanga hwakanganisika naye (Johani 3:16). Akaisa vupenyu husingaperi mumwoyo yedu, asi vanhu havagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika kumagumo (Muparidzi 3:11). Tirimo muhondo huru yepasi rose irikutsviriridza pakati pedu—kana matiri chaimo—asi zve nguva zhinji hatimbomiri kunyatsofunga zvakazara mutengo waakapa kutidzoreredza muvukama hunodiwa naMwari nesu. Nguva zhinji, tinovona tiri muhondo dzenyika nemiedzo, tichikanganwa kuti “musha wedu urikudenga, uko kwatinotarisira zvikuru Muponesi wedu, Ishe Jesu Kristu, achatishandura kubva mumiviri yevutera kuti tifanane newake unobwinya” (VaFiripi 3:20, 21).

Apo nyika inokwira ichiinda kumagumo, tinoziva kuti kagore kaduku kachena rimwe remazuva kachavonekwa mudenga kumabvazuva. Apo richaswedera pedyo, tichavona kuti pagore iri pakagara “Mumwe wakaita seMwanakomana Wemunhu, ane korona yendarama mumusoro wake, nejeko muruvoko rwake” (Zvakazarurwa 14:14). Jesu achavuya nezviuru nezviuru zvevatumwa (Mateo 25:31), meso ose achamuvona (Zvakazarurwa 1:7). Paachadzika, tichanzwa kudaidzira kwake, hwamanda yaMwari icharira, nemakuva achakazaruka kune avo vakavata muna Kristu vachimuka kutanga (1 VaTesaronika 4:16). Vachaziva izwi reuyo achavadana (Johani 5:28).

Ipfugwa dzinoshamisa sei nekunaka kwazvo! Rimwe zuva tichavona Jesu—idi here, zvechokwadi kumuvona. Tichanzwa izwi rake, uye tichapupura kuti ndiye Ishe. Uyo watakaverenga nezvake, wakatakanamata kwaari, watakataura nezvake nevamwe; uyo mwoyo yedu yakashuva. . . zvechokwadi tichamuvona vuso-nevuso. Tinechokwadi chezvinhu izvi, nekuti Mwari wakatendeka, nezvitsidzo zvake ndezvazvokwadi (Zvakazarurwa 22:6).

Munguva iyi, apo tsuri dzicharidzwa nemeso ose evanhu achivona Jesu, tichaziva kuti zvakanga zvakafanira kumirira. Munamato wose wekutsungirira, nguva dzose dzatakakoshesa naye, nguva dzose dzatakataura nezvake nesimba, miyedzo yose—ichaperera pakuvona vuso hwake (Zvakazarurwa 22:4).