HomeResourcesSabbath School quarterly
“Huya!”
25/06/2026
Rukoko runopiwa kwatiri tose zvekare, nhasi: “Huya.”
Mweya Mutsvene anoda kukukwevera kuna Jesu nhasi. Jesu anokukokera kwaari, kugara maari nhasi, nemazuva ose, kusvika avuyazve. Kana ukadavira ukavuya kwaari, kana mwoyo wako wapfava nepfungwa dzako wadzipira, uchanzwa rugare nekuti unoziva kuti achakumutsa, zvisinei nekuti huabatsiri zvakadini, nemusi wekupedzisira panyika ino. Jesu akati, “Anovuya kwandiri handizombomurambi” (Johani 6:37).
Tinofanira kuvona kupera kwenguva kuti tishande naMweya Mutsvene kudaidza vamwe kuvuya kuvukama hwaJesu hunoponesa. “Mweya nemwenga vanoti, ‘Huya!’ Uyo anonzwa ngaati, ‘Huya!’ Anenyota ngaavuye. Anoda, ngaatore mvura yevupenyu pasina mubhadharo” (Zvakazarurwa 22:17).
Rukoko nderwepachena, runopiwa sechipo chenyasha. Kana tichimugashira muvupenyu hwedu nekumuda nemwoyo yedu yose, nepfungwa dzedu, nemweya, nesimba (Deuteronomio 6:5), vupenyu hwedu pano izvozvi nehuchavuya huchashandurwa nekusingaperi.
Kana naJesu paanotikoka, mashoko ekupedzisira ezvitsidzo zvemuBhaibheri: “ ‘Hongu ndinokurumidza kuuya.’ Ameni. Vuyai Ishe Jesu”, (Zvakazarurwa 22:20).
Nekukurumidza zvakadini? Kwatiri isu, kana tangovhara meso edu murufu, chinhu chichatevera chatichaziva kudzoka kwaKristu. Tichiziva kukurumidza kupera kwevupenyu hwedu, ndiko kukurumidza kwekuvuya kwaJesu kuzotitora. Zvimwe pfungwa dzedu dzekutanga parumuko dzichava dzekuti “Haa, Ishe, kuvuya kwenyu kwakakurumidza chaizvo nhai!”
Zvechowadi, ikozvino hativoni zvakanaka, semuchivoni-voni, asi zvino tichamuvona vuso-nevuso. Musaneta kumirira. Garai nechishuvo ichi nguva dzose mupfungwa nekutenda nekuvimba murudo nekunaka kwaMwari. Ishe Jesu, ndinokumbira huyai!