HomeResourcesSabbath School quarterly

Zvipingaidzo Nemiyedzo

24/05/2026

Hondo huru iripo zvechokwadi, nesu tose tirimo mairi. Hondo yekudenga nepasi yakatangira mudenga asi ikozvino irikurwiwa muvupenyu hwemumwe nemumwe wedu wo.

Satani anoziva kuti anofanira kushandisa zvose zvaanazvo munguva ino yatiri kurarama, Jesu asati adzoka, kuti tisava nevukama hwakasimba naMwari. Zvimwe wakakanganiswa nechimwe chinhu chisina hacho kushata pachacho, asi chinotora nguva yakareba nesimba zvekuti panosara pasina nguva yaMwari. Zvimwe ibasa, kana kutaurirana nevamwe nenzira dzemazuva ano semawatsi apu, kana kuinda kuzvitoro, kana mitambo kana zvekudya. Kana tikanyatsozvitarisisa, tinogona kuvona kuti kunyanyisa mune chimwe chizvinhu izvi kunotipedzera nguva naMwari nevamwevo. Muvengi anoziva vutera hwemumwe nemumwe wedu nezvinhu zvinotikanganisa kuti tive nenguva naMwari. Tinofanira kurangarira kutsvaka Mwari pakutanga kwezvinhu zvose (Mateo 6:33) tisati tamhanyira mumabasa ezuva nezvimwe zvose zvingangovuya.

Jesu anonzwisisa chimiro chedu, asi anoshora kushaya hanya kwedu (Zvakazarurwa 3:14–22). Kana nepo ari Mwari, akanga arimunhu wo aineta sezvatinoita (Johani 4:6). Aiziva kuwanda kwezvinhu zvinoda kuitwa muvupenyu, sezvatinoita, asi akazvitiza nekuinda kunonamata kuna Baba vake ari oga (Ruka 5:16, Ruka 6:12, Marko 1:35, Mateo 14:23). Aiziva kuti nguva naBaba yaiva yakakosha kwazvo umo aiwana simba rekukurira miyedzo. Ndiyo nzira yakatinakirawo isu chaizvo.

Samsoni akadonha nekuti akafunga kuti akasimba. Akatsamira pasimba rake kuti akurire miyedzo. Zuva nezuva, mumwe nemumwe wedu anosangana nehondo nechitema apo muvengi wemweya anoedza kutipedza simba nekuparadza vukama hwedu naMwari. Anoziva kusasimba kwedu saka anoshingirira ipapokuti aparadze zvachose vukama hwedu naMwari nekutipa mhosva nekusanzwa takafanira, zvose izvi zvakananga kutibvisa pana Mwari. Diaborosi anoshanda kushandura pfungwa dzedu, zvinangwa zvedu nemabasa edu kuti awane simba pamusoro pemamwe mativi evupenyu hwedu. Asi rangarira: Kutenda kwedu kuchatibatsira kumira, kutenda kunovuya nekunzwa Shoko raMwari.