HomeResourcesSabbath School quarterly
Mutemo Nevhangeri
27/05/2026
Jesu akatsangura zvakajeka chaizvo nesimba revukama pakati pake nemutemo.
Sezvinoitwa nevabereki vachiisa miganhu kuvana vavo yekuratidza zvavanokoshesa, mutemo waMwari unoratidza nezvechimiro chake nezvakakosha kwaari. Mwari akatipa mutemo wake kudzivirira vukama hwedu naye nehwedu nevamwe, achiziva kuti mutemo wake unozotitungamirira munzira dzose dzemuvupenyu patinokura maari. Asizve, ndiani pakati pedu asina kumborwadziswa nematuso ezvivi, neekudarika mutemo nezvazvakatiita?
Rudo kuna Jesu ndirwo ruri pakati pemutemo. Jesu akati, “Kana muchindida muchachengeta murairo wangu” (Johani 14:1). Kana tikada Jesu nekurevesa, tichakweverwa pasina simba redu kukuchengeta mutemo wake. Kana tavakuvona mutemo wake zvakanaka, tichinzwa tichida kuda Jesu zvakanyanya. Kunyanya kana tikagara neMuchinjikwa mupfungwa dzedu nerufu rwaKristu pachinzwimbo chedu ndiyo inova nzira yakaperera yekusimbisa rudo rwedu kuna Mwari.
Ndicho chikonzero nei vhangeri ichifambidzana nemutemo. Kureva kuti zvisinei nekutenda kwedu mumutemo nekukosha kwekuuchengeta, tinofanira kugara tichirangarira kuti pamberi paMwari, tinopiwa mhosva nemutemo. Mutemo waumboregereri, haururamisi, haudzikinuri. Kune rumwe rutivi, unotiratidza kuti nei tichida kuregererwa, nemhaka yei tichada kururamiswa, uye nemhaka yei tichida kudzikinurwa. Saka kunzwisisa mutemo ririvhangeri, kufirwa kwatakaitwa naKristu, zvakatinakira, pasina kuchengeta kwedu mutemo, asi nekutenda.