HomeResourcesSabbath School quarterly
Danieri Wakatendeka
03/05/2026
Danieri ndemumwe wemagamba makuru emuBhaibheri. Tinoziva nyaya yekutanga vo (tarisa Danieri 1): “Danieri akazvimisira mumwoyo wake kuti asazvisvibisa nezvekudya kana zvekunwa zvamambo” (Danieri 1:8). Uyezve, kuna Danieri neshamwari dzake nhatu, “Mwari wakavapa zivo nekungwara pamagwaro ose nevuchenjeri hose; asi Danieri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvaairatidzwa naMwari nezvairota” (Danieri 1:17). Bhaibheri rinotsanangura Danieri semuchenjeri (Danieri 1:20; Danieri 2:14, 21, 23, 48) nekuti Mweya waMwari waiva maari (Danieri 4:9, 18; Danieri 5:14; Danieri 6:3), vuye aidikanwa chaizvo neDenga (Danieri 9:23, Danieri 10:11). Idzo ndidzo dzimwe tsanangudzo dzemunhu akanga anevukama kwakasimba naMwari.
Muna Danieri 2, Mambo Nebuchadnezzari paakatema chirevo cherufu kuvachenjeri vose veBabironi, Danieri akatsvaka tsitsi dzaMwari pamusoro pehope dzake (Danieri 2:18). Mwari paakazivisa hope dzamambo kunaDanieri, akabva anamata ipapo.
Nekufamba kwemakore madzimambo akamuka akawa, Danieri akaramba aripo sechipanga mazano chemadzishe akatsanangurwa achinzi “nekuti maari makanga mune mweya wakanaka kwazvo, mambo akada kumuita mukuru wevushe hwake hose” (Danieri 6:3). “Wakanga akatendeka vuye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari” (Danieri 6:4). Zvisinei negodo rinotyisa nekurongerwa zvakaipa kwazvo (Danieri 6:5–9) kubva kune vaaishanda navo, Danieri akaramba achingoita zvaaita nguva dzose asingatyiri vupenyu hwake hwemunamato.
Asangana nezvakawoma, Danieri akanamata. Kana nepo airwiswa zvekuda kuvuraiwa, akaramba achinamata semazuva ose (katatu pazuva, setsika yake), achitozovikanwa mukuita izvi (nepawindo rake rakazaruka katatu pazuva achinamata akatarisa kuJerusarema). Kunamata kwake kwaiva kwekuita zvinovonekwa (akafugama) akatanga kuvonga nekukumbira.