HomeResourcesSabbath School quarterly
Mosesi, Mutungamiriri Akazadzwa NehuMwari
06/05/2026
Kana nepo Enoki akafambidzana naMwari zvakasimba kwazvo, tine zvakawanda nezvekufamba kwaMosesi naMwari tichikwanisa kuzviverenga munyaya dzaMosesi dzakawanda achitaurirana naMwari. Panotitarisa nguva dzakanaka nenguva dzakaipa muvupenyu hwaMosesi mutungamiriri uyu wakanga akapfava, tinovona nguva nenguva kuti chinhu chimwechete chakakosha kwazvo muvupenyu hwake nechakavanzika chekukurira nekubudirira kwake semutungamiriri wezvekunamata kwaiva kugara achitaurirana naMwari.
Imbofungidzira kuti wainganzwa sei kutaurirana naMwari nekunzwa izwi ravo zvakanakisisa. Zvinoshamisa kuti vaIsraeri havana kutsvaka kuitirwavo izvi naMwari asi kuti vaikumbira Mosesi kuti avataurirevo naMwari (Ekisodo 20:18–21). Asi Mwari vakanga vatogadzirira Mosesi basa iri, kutangira pahurukuro yavo pagwenzi raipfuta, pagomo rimwechete iri. Kana nepo tichiverenga nemimwe minamato yaMosesi oga, tinogona kuvona kuti nguva dzakawanda kwaiva kukumbirira kuti agone kutungamirira vamwe.
Kaviri, Mosesi anomiririra mhuri yake. Chii chaiva chaitika apa, uye chii chaigona kuitika kudai akanga asina kumira sezambuko kuvhara buri?
- Chinonyanya kushamisa apa ndechekuti Mosesi akamiririra Miriamu aiva amubata zvisina kunaka negodo. Aingadai akangomira zvake kure nekusiya Mwari vachiranga Miriamu naAaroni sezvaivakodzera. Asi, akakurumidza kuregerera sisi vake nekukumbira kuti vaporeswe. Chiratidzo chinoshamisa sei chekuregerera kwenyasha dzaMwari kuvatadzi chinovonekwa apa mukuita kwaMosesi.