HomeResourcesSabbath School quarterly
Kudzidza Kuenda Mberi
08/05/2026
Pakupedzisira tinofanira kugara tichinamata nekuti tinoda Mwari zvikuru, uye hatigoni kugara tisingavudzi vamwe zvose zviri muvupenyu hwedu naye: mufaro wedu ne “kukurira” kuri muvupenyu hwedu, maitiro edu, nezvinotinetsa nemikumbiro yedu yezvinodiwa zuva nezuva. “Tinogona kugara pedyo-pedyo naMwari kuitira kuti mumuedzo ingangovuya tisina kuitarisira pfungwa dzedu dzinobva dzangoinda kwaari sezvinongoita ruva richienda kuzuva roga. Zvinokunetsa, nerufaro rwako, nenhamo dzako nezvaunotya ngazvigare zviri pamberi paMwari. Haungamuremedzi; haungamunetesi. Uyo anoziva kuwandu hwebvudzi remumusoro wako haangashai hanya nemanetswa evana vake. . . . Mwoyo wake werudo unobatwa nenhamo dzedu nekuchema kwavo kose. Enda nezvose zvinokunetsa mupfungwa. Hakuna chakakura chaangatadza kutakura, nekuti wakatakura nyika dzose, anotonga zvose zvinoitika pasi nekudenga. Hakuna chinotipa rugare chaasingakoshesi. Hakuna nguva yemuhupenyu hwedu yakasviba nerima rekuti haagoni kuiverenga; hakuna manetswa akakurisa zvekuti anoatadza. Hakuna dambudziko ringawira mumwe wevana vake vaduku-duku, kana nhamo ingashusha mweya wavo, kana rufaro, kana munamato unekurevesa, uyo Baba vedu vekudenga vangatadza kuvona kana wavangashaira nguva. . . . Vukama hurupakati paMwari nemunhu wose hwakatsanangurika hwakazara zvekuita sekuti hakuna mumwe munhu panyika yose aanotarira, hakuna mumwe waakapira Mwanakomana wake kufira.”—Ellen G. White, Matsiko Kuna Kristu, pp. 99, 100.
Mibvunzo Yekutaurirana:
Pfupiso: Patinoverenga nezvemagamba ekunamata emuBhaibheri, zvirinyore kufunga kuti hatigoni kuva nevukama hwakadaro naMwari kana kuzvipira kwakadaro. Asi tinogona. SaDanieri, tinogona kushinga nekutenda kufugama zuva rimwe nerimwe, zvisisei nekupikiswa. SaEnoki, tinogona kusarudza kufamba naMwari, kumubvunza tisati taita chinhu chaanotiti tiite. SaMosesi, tinogona kutungamirira avo varipedyo nesu, tichinamatira mhuri dzedu nevari munharaunda dzedu kana tasarudza kugara pazasi pemumvuri weWamasimba Ose, Mutungamiriri wedu neshamwari yedu.