HomeResourcesSabbath School quarterly
Eria—Achinamatira Dambudziko
10/05/2026
Eria wakatendeka akararama munguva dzakaipa kwazvo naMambo Ahabu achiramba “achikonzera kutsamwa kwaJehova Mwari waIsraeri kupfuvura mamwe madzimambo ose akamutangira” (1 Madzimambo 16:33). Zvakanyanya kushamisa munguva dzose idzi chiitiko chepaGomo reKameroi (tarisa 1 Madzimambo 18). Pakati penyaya iyi inoshamisa zvakadai, Ahabu nevushe hwake vakavona nemeso avo zvokwadi zvekupindurwa kweminamato naMwari. Iyi yakava nguva isingakanganwikwi munhoroondo yeIsraeri uye neshanduko yakakurumidza kuitika inotibata tisingaitarisiri.
Zuva rose, kana nepo Mwari vachipindura minamato yose yaEria, shungu dzemuprofita, zvaiva mupfungwa dzake nechimiro chemuviri wake zvinoshanduka nenguva pfupi. Kana nepo Eria akanga avona kukurira kukuru naMwari zuva iri, nenguva yekurukutika, akatendera kutya kuti kukurire kutenda munaMwari. Chinonyanya kushamisa munyaya iyi ndechekuti, kana nepo Eria akabvuma kupererwa nekukuhunika, Mwari akauya kwaari muvunyoro nehanya, vachimupa zvekudya nemvura zve (1 Madzimambo 19:5, 6)—zvakawanda zvekupedza mazuva 40 nevusiku 40 akaguta (1 Madzimambo 19:8). NaMwari paakazviratidza neimwe nzira, zvakava nemusiano mukuru kwazvo kupfuvura kare.
Dzimwe nguva muvupenyu hwedu, Mwari anopindura nemo-nemo, nenzira inesimba isingarambiki. Izvi zvinosimbisa kutenda kwedu, tobva tanzwa huvepo hwaMwari muvupenyu hwedu.
Dzimwe nguva tinodzokera kumashure nekubvumira miyedzo kutiwisira pasi, tichifunga kuti kutevera Mwari zvakawoma pasina kuzungunuswa kwekutenda. Tinotsvaka mhinduro dzaMwari nenzira dzedu, tichitadza kuziva kuti nzira dzake nepfungwa dzake dzakakwirira kupfuvura dzedu uye vuchenjeri hwake hwakakurira hwedu (Isaya 55:8, 9). Sekuwanda kwakaita zvinhu zvakasikwa naMwari zvatisinganzwisisi, hatifaniri kushamiswa kuti kune zvimwe zvezvaMwari zvakawanda zvatisinganzwisisi vo.