HomeResourcesSabbath School quarterly
Jesu Anotidzidzisa Kunamata
12/05/2026
Munguva dzaJesu, minamato yakareba yakagadzirwa zvakanaka-naka—yaiva nemashoko akarongwa zvakanaka yaiswa mumusoro—ndiyo yairemekedzwa. Jesu akanga asina chakanaka chaaingataura nezveminamato iyi (tarisa Mateo 6:5–8). Akaratidza zvayaiva kuti yaiva: yekunyepera “vutsvene.”
Vadzidzi vakavona Jesu achinamata, uye vaiziva kuti munamato wakanga wakakosha muvupenyu hwake (tarisa Ruka 5:16, Ruka 6:12, Ruka 9:18, Ruka 22:41, Ruka 24:30, Marko 1:35, Marko 6:46). Pavaivona Jesu achinamata, vakavona musiano nezvaiitwa nevatungamiriri vezvekunamata vakaziva kuti kwaiva nezvekawanda nezvemunamato zvavaiva vasina kufunga. Saka, vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakakumbira vachiti, “ ‘Ishe tidzidzisei kunamata’” (Ruka 11:1).
Jesu akagadzirira vadzidzi vake (nesuvo) kuti tinogona kunamata mazuva ose nendimi dzedu. Akatiratidza kuti minamato yedu inofanira kuva nekurevesa ichibva mumwoyo.
Verenga Ruka 11:2–4 na Mateo 6:5–15 tarisa zvinhu zvakakosha mumunamato wakadzidziswa naJesu:
- Baba vedu varikudenga: Kuratidza vukama hwako naBaba vevanhu vose.
- Zita renyu ngarukudzwe nevutsvene: Kuziva vutsvene hwaMwari zvinotikonzera kuti tivuye nekuremekedza nekuyeresa.
- Vushe hwenyu ngahusvike: Kutarisira kudzoka kwaMwari nekugara kwaMweya Mutsvene matiri kusvikira avuya.
- Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvazvinoutwa kudenga: Kuzvipira nekunamatira kuda kwaMwari muvupenyu hwedu kuti kuitwe, tichivimba kuti anoziva zvose, pane kungonamatira zvatinoda isu.
- Tipeiwo zvekudya zvedu zvezuva nezuva: Kukumbira zvatinoda kuti tirarame, zvose zvemuviri, (zvekudya nezvekunwa) nezvepamweya (Jesu neShoko rake benyu).
- Tiregererei zvatinokutadzirai sezvatinoregererawo avo vanotitadzira: kutendevuka, kutsvaka kuregererwa, nekurangarira kuregerera avo vanotitadzira pachena sezvatinoitirwa naMwari.
- Musarega tichipinda pakuedzwa, asi tidzivirirei kubva kune wakaipa: Kukumbira kudzivirirwa nepekugara kubva kune wakaipa munyika ino (Mapisarema 91).
- Nekuti vushe ndehwenyu, nesimba, nekubwinya nekusingaperi. Ameni: Kubvuma kuti zvose zvatinazvo, zvatiri nevukama hwedu naMwari. Ndiye woga ane vutsvene uye anofanira kurumbidzwa (1 Makoronike 29:11).