HomeResourcesSabbath School quarterly
Rumbidza, Kumbira Kuregererwa, Kumbira, Tenda
13/05/2026
Sekudzidziswa kwatakaitwa naJesu kunamata, tinogona kutevedzera hurongwa uhu husinakuwoma patinenge tavekuvuya kuna Mwari tiri pedu toga, kana tine mhuri dzedu, kana sekereke, tichirangarira kuti munamato kutaurirana naMwari sekushamwari. Nguva zhinji minamato yedu yakazara nekukumbira asi Jesu akatidzidzisa kunamatira zvimwezve zvakawanda!
Funga kuti ungaisawo sei zvikamu izvi mumunamato wako:
Kurumbidza: Kurumbidza kunoratidzwa nekuyemura zvakaitwa naMwari nezvaari. Verenga Mapisarema 100, rwiyo rwakanakisisa rwekurumbidza Mwari. Funga nezvemazita akawanda aMwari anoshamisa. Murumbidzei nekuva Mudzikinuri wedu, Muponesi, Munyaradzi, Murapi, Mufudzi Wakanaka, Arifa naOmega, Dombo, kungotaura hedu mashoma.
Kukumbira Kuregererwa: Kana tichivona tavakutaura nezvekugara muna Mwari, hatina zvimwe zvatingaita kunze kwekusiya zvatakabata kana zvingatiparadzanisa naMwari. Patinoswedera kwaari, nekuvona kusakwana kwedu nehurombo hwedu. Izvi zvinotikonzera kumukumbirisa kuti abvise zvivi zvedu nekugadzirisa zvimiro zvedu kuti zvifanane nechake. Kana tichitarisira kuregererwa naMwari, tinofanira kugadzirira kuregererawo vamwe. “Revururai zvivi zvenyu mumwe kune mumwe, muchinyengetererana, kuti muporeswe. Munamato unesimba, munamato unopindurwa wemunhu akarurama uchabatsira zvikuru” (Jakobo 5:16).
Kukumbira: Ndeapi matambudziko auri maari, zvimwe mumhuri yako, kana shamwari dzako, kana vutano, kana munezvemari, kubasa kana zvechikoro? Unoda Mwari papi chaipo, unoda here kutungamirirwa naMwari? Ndiani anoda rutsigiro rwako, ungarupa sei nenzira yakasimba? Namatira nyaya idzi nevanhu ava uchikumbira kuda kwaMwari kuti kuitwe.
Kutenda: Verenga VaFiripi 4:6 ugofunga maropafadzo emuvupenyu hwako. Zvinhu zvakakosha zvinogona kuvuya mupfungwa, ko zvinhu zviduku zvatisingawanzi kufunga nezvazvo hedu? Tinogara tichigashira tsitsi dzaMwari; asi, hatitendi zvedu, kana kumurumbidza nekuda kwezvaakaita.