HomeResourcesSabbath School quarterly

Kudzidza Kuenda Mberi

15/05/2026

“Kudai taitaura nekufunga zvakanyanya nezvaJesu, tichitaura zvishoma nezvedu, tinova nehuvepo hwake zvakanyanya.”—Ellen G. White, Matsiko Kuna Kristu, p. 102.

“Kana tikateerera nyunyuto dziri mupfungwa dzedu nekutya kwedu, kana kuedza kugadzirisa zvatisinganyatso voni, tisati tava nekutenda, matambudziko anotowedzera nekusimba. Asi kana tikavuya kuna Mwari, tichinzwa tisina zvatinobatsira kana kuzvimiririra, zviri izvo zvatiri, mukuzvininipisa, tichivimba naye anekuziva kusingaperi, anovona zvose zvakasikwa, achitonga zvose nekuda kwake neshoko, achanzwa kuchema kwedu nekuisa chiedza mumwoyo yedu.”—Matsiko Kuna Kristu, pp. 96, 97.

“Mweya unogona kukwira kudenga pamapapiro ekurumbidza. Mwari anoshumirwa nenziyo nekuimba kudenga kumusoro, apo tinotenda nekurumbidza tinofanana nezvinoitwa nezvisikwa zvekudenga. . . . Nekuremekedza nemufaro ngatiendei pamberi pake neMusiki wedu, ‘Tichivonga neizwi rekuimba kwakanaka.’ Isaya 51:3.”—Matsiko Kuna Kristu. p. 104.

Mibvunzo Yekutaurirana:

Pfupiso: Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vainamata zvakasimba nevamwe vaiva vasinganamati. Patinotarisa mariri, tichawana mumwe akafanana nesu, zvisinei nevukama hwedu naMwari. Tichavonavo zvipikirwa zvakawanda zvichatikurudzira nekutitungamirira munguva dzekunamata. Chinangwa chedu chinofanira kuva kukura pamweya—takatarisa pana Jesu, muenzaniso wedu mukuru muzvinhu zvose neMuvambi neMukwanisi wekutenda kwedu.