HomeResourcesSabbath School quarterly

Ingondipai Chiratidzo!

17/05/2026

Zvimwe wakambonzwa zvichinzi, “Kana ndikangovona Gungwa Dzvuku richitsemuka, kana manna ichidhonha kubva kudenga, kana Jesu achiporesa bofu, ndinobva ndatenda.” Kana kuti wakambonzwa vo mashoko mamwe chete awa mauri.

Kune rumwe rutivi, nemhaka yei zvirinyore kwatiri ikozvino kuva nekutenda kupfuvura avo vakararama munguva iyo Bhaibheri rainyorwa, kana kuti nekuti vaiva nenhoroondo yakakura kwazvo kumashure kwavo yavaitarisa, sezvatirivo nhasi?. Mosesi akasimbisa kukosha kwekutarisa kune zvakaitika kare kumubatsira kurangarira kutungamirira kwaMwari nekunaka kwake (tarira Deuteronomio 4:7–10; Deuteronomio 8:2, 3). Mukusiyana kwedu nevaIsraeri, isu tine makore 6,000 enhoroondo yeBhaibheri yatinogona kutarisa pairi (tarisa Johani 20:30, 31).

Zera rimwe nerimwe rinoda chiratidzo, redu harina kumbosiyana nemamwe ose. Asi zviratidzo zvakazara pose-pose patiri. Kana ukaverenga Mateo 24, uchavona zvaiva zvakaita zvinhu zvakawanda nekuzadziswa kwazvo ikozvino.

Tinoitisana nharo naJesu nekudakuvona kuti iye ndiani here sevaFarise? Tinomukonzera “Kutura mafemo/Kugomera here zvikuru paMweya wake” (Marko 8:12) nekuda kwekushaya kwedu kutenda, asi iye akatotipa zvose zvatinoda kuti titende?

“Zviratidzo izvi hazvisi izvo zvaidiwa nemaJudha. Hakuna chairatidzwa kubva kunze chaingavabatsira. Zvavaida chaizvo kwaisava kujekerwa mupfungwa, asi kumutsidzirwa pamweya.”—Ellen G. White. Kuti nesuwo tingada kumutsidzirwa pamweya—kune kurevesa, chaiko, nguva nenguva yatinofamba naMwari? Zvimwe isu hatitodi chiratidzo, nekuti tine zvakawanda kwazvo pamberi pedu chaipo, zvikuru sei mumaBhaibheri edu.

Saka, pane kukonzera Jesu kugomera pamweya nekuda kwekushaya kwedu kutenda, tingagona here kurangarira mashoko aJesu kuna Tomasi: “ ‘Vacharopafadzwa vanotenda kunyange vasina kuvona!’ ” (Johani 20:29; tarisa voVaHebheru 11:1). Mwari havadi kuti titende takatsinzina—vakatotipa zvikonzero zvakawandisa kare zvekuti titende. Asi kunyange nazvo zvose izvi, pachine mukana wekunyunyuta. Mhinduro kuisa simba rose panezvinosimbisa kutenda, pane kuisa pane zvinounza kusatenda.