HomeResourcesSabbath School quarterly
Kutenda KwaJesu
21/05/2026
Apo nyika ino inosvika pakuguma, rumwe rutivi rweshoko rengirozi nhatu runotsanangura vanhu vaMwari vachichengeta mirairo yaMwari nekutenda kwaJesu.
Kana ukadzidza kuti Masabata akanzwisisa sei kururamiswa nekutenda, uchavona kuti kuma 1890, kunzwisisa kutenda muna Jesu neshoko rengirozi nhatu zvakabva zvasimbiswa mukereke. Kusvika nguva iyoyo, kereke yakanga yasimbisa zvakanyanya mutemo, saka pakanga pava kudiwa vhangeri rakawanda. Ellen G. White anopeta achiti: “Mirairo yaMwari yakaparidzwa, asi kutenda munaJesu Kristu hakusati kwaparidzwa neMasabata zvakafanira kukosha kwazvo, mutemo nevhangeri zvinofambidzana.”
Kana nepo VaHebheru 11 ichizivisa nezvevanhu vaiteerera Mwari vaiva nekutenda kwakasimba, hakuna akambova nekutenda kungasvika pane kwaJesu.
Kana tine kutenda kwaJesu, izvi hazvingorevi, kumuteerera neShoko rake chete asi tichararama sazvaakaita muna Mwari, asi kuti tichafambidzana naye mazuva ose nekurarama saJesu. Kuziva nekurarama zvinoratidza kuti pasina Jesu muvupenyu hwedu hwezuva nezuva, hatigoni kuva nevukama hunoponesa naMwari.
Kuva nekutenda kwaJesu zvinoreva kuva naJesu achigara matiri, saka kuva nekutenda mumwoyo yedu, nekuti Jesu ndiye hwaro hwekutenda hwechokwadi. Dzimwe nguva kutenda kwedu kunopera simba. Asi Jesu akafanira (Zvakazarurwa 5:9), uye tinogona kuva nekutenda kwake, kuchiratidzwa muvupenyu hwedu nekupiwa kwatiri tisina zvataita, sechipo chake chenyasha kunavose vanotenda.