HomeResourcesSabbath School quarterly
Kutenda Hazvisi Zvaunonzwa Munyama
19/05/2026
Jesu akati kana mune kutenda kwakaenzana netsanga yeruninga, munogona kusimudza gomo (Mateo 17:20). Wakambovona vo here mbeu yeruninga, unoziva kuti iduku zvakadini. Asi kuva nekutenda kwakadaro kunogona kuita zvinhu zvikuru kwazvo. Kutenda kunofanira, naizvozvo kuva kwakakosha kwazvo uye kwakasimba kwazvo zvekuita zvisina kujairika. Asi sembeu yemasitadi inogona kukura kuita zimuti rakakura (Mateo 13:31, 32), kutenda kwedu kunofanira kukura kusingarambi kwakamira.
Hongu, panechiyero chekutenda chinodikanwa kutitive nevukama naMwari (tarisa VaRoma 12:3).
Tinofanira kunzwisisa kuti kutenda hachisi chinhu chinobatika; kudaira kwemunhu kunomutswa naMweya Mutsvene. Mwari ari muvambi wazvo anemutsa, kuburikidza naMweya Mutsvene, anotikakatira kwaari kana tichimutendera (Jeremia 31:3). Tinoponeswa nekutenda, zvinobva munyasha dzaMwari dzatinopiwa kuburikidza nerufu rwaJesu. Tinoponeswa nekuti tinotenda muna Mwari nekuda kwenyasha dzake. Izvi zviri pakati pemwoyo wevukama naye.
Tevere, tinofanira kurangarira kuti kutenda hachisi chinhu chinonzwikwa munyama. “Vakawanda havaiti nekutenda urimukana wavo nebasa ravanotarisirwa, nguva zhinji vakamirira kunzwa munyama zvinogona kuitwa chete nekutenda. Zvinonzwikwa hakusi kutenda. . . . Kutenda kunofanira kuraramwa, asi kunzwa kufara nezvikomborero zvinobva kuna Mwari.”—Ellen G. White.
Vamwe vanhu vanonzwa sevasina kutenda nekuti havanzwi varipedyo naMwari kana kuti havasi zvanofanira kuva seMakristu. Asi kutenda kudavira nekuvimba muna Mwari, musiri muzvinhu zvakanaka chete asi murima kana mumurowe, kunyange dzimwe nguva usiri kunyatsonzwisisa zvakazara zvirikuitika muvupenyu hwako.
Zvatinonzwa hazvifaniri kuva nesimba mukunamata kwedu kana muvukama hwedu naMwari. Inguva idzo patinowanza kunzwa setiri kure naMwari patinofanira kurarama nekutenda tichibva tamudaidza (sezvakaitwa nababa vari muna Marko 9:24).