HomeResourcesSabbath School quarterly
Wongororo Yezviripo Chaizvo
28/03/2026
Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino
Zvakazarurwa 3:14–22; Zvakazarurwa 4:9–11; Genesi 2:7; Genesi 3:8–10; Jeremia 31:3, 4; Johani 15:1–11; VaRoma 8:9–11.
Chemusoro:
“ ‘Sezvo Baba vakandida, ndakakudai; garai murudo rwangu’ ” (Johani 15:9).
Ungatsanangura sei hukama hwako naMwari nhasi? Hwakasimba huchifamba zvakanaka here? Unoisa nguva here mukusimbisa hukama uhwu, nekutsvaka Shoko rake, uye uchitaura naye seshamwari? Kana zvakadaro, unopedza nguva yakawanda sei uchizviita?
Uyezve, unosundwa here kukugoverana nevamwe zvehukama hwako naMwari nekuti ndiho hukama hwakanyanya kunaka muupenyu hwako? Kana kutoti hukama hwako naMwari hwakadzikira nekufamba kwenguva? Huri ipapo, hongu, uye unotarisira nguva nenguva, asi kuti tichitaura chokwadi, huri kutonyanya kusimba here? Kana kuti “haupisi zvako kana kutonhora” sezvinotaurwa neBhaibheri (Zvakazarurwa 3:16).
Wakambozvifungawo here kuti vatumwa havashamiswi nekusafarira kwatinoita Mudzikinuri naMuponesi wedu, nemwoyo inoshushikana uye pfungwa dzinoda kuvapedyo naMwari mazuva ese? Nekuti chokwadi, hukama naMwari hunoshandura zvese—zvose pano uye muvupenyu husingaperi.
Vhiki ino, tichatarisa chimiro chedu chaicho muhukama naMwari uye kuti Bhaibheri rinomboti kudini kwatiri. Zvechokwadi, hatigone kufamba kubva patiri kuenda kune imwe nzvimbo iri nani kusvikira tagashira wongororo yechokwadi yehupenyu hwedu uye nekuteerera mhinduro inobva kunaJesu.
*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, Kubvumbi 4.