HomeResourcesSabbath School quarterly

Chimiro Chedu

29/03/2026

Wakambozvifunga here kuti Jesu aingatsanangura sei vukama hwako naye izvezvi? Dzimwe nguva ungati kwakasimba, kana kuti hwaiva hwakambosimba kare. Ko wakambofungawo here kuti aingatsangura vanhu vake sei mumazuva ano ekupedzisira? Muna Zvakazarurwa 3:14–22, Jesu anototsanangura izvozvo.

Anotanga nekuti Iye Ndiye “Chapupu Chakatendeka, Dangwe kuzvisikwa zvose zvaMwari” (Zvakazarurwa 3:14). Chapupu chezvokwadi chakatendeka hachirevi nhema asi chinoyaura zvokwadi iripachena yakaperera.

Jesu anoti, anoziva Makristu anorarama mazuva ekupedzisiras. Hatipisi kana kutonhora, saka nekud akwekusaita chimzwe chazvo, tinonzwa tisingashaiwi chinhu. Mazuva nemavhiki anofamba, tova nenguva naMwari pano nepapo, tifunga kuti zvatokwana. Asi hazvina. Asi chokwadi ndechekuti tinomuda zvakanyanya kupfuvura zvatingafunga. Kudai taingada nekuraramira Jesu nemwoyo wose kana kugara tangozvirega hedu. Zvaingava nani pakuvona kwaMwari pane kusapisa kana kutonhora, Jesu anoti achatirutsa kubva mumuromo wake nekuti hatinovava chaizvo. Asi haasati azviita izvi, saka anotikumbira kuti tishinge kuita zvakanaka izvozvi.

Mumazuva ekare, “kutenga” zvaireva kuchinjana zvinhu. Jesu pano anotikoka kuchinjana kunoshamisa: kushaya hanya kwedu nendarama, nguvo yake chena, nekushonga wameso. Anoda kutifumisa pamberi pake; anoda kutifukidza nenguvo yake yakanakisisaa kwazvo yekururama; uye anod akuzarura maziso edu kuti tivone zvokwadi yevukama hunogara nekusingaperi hunoshandura vinhu zvose. Anotiba zvose zvatinoda, zvikuru sei zvatinoshaiwa, zvatisingagoni kuzviwanira toga. Iye chete ndiye anogona, achazviita, asi kana tamumubvumira chete.