HomeResourcesSabbath School quarterly

Rudo Rusingaperi

31/03/2026

Apedza kutaura nezvechimiro chedu chinosiririsa, Jesu anotivudza kuti ichi ndechimwe chinhu chekukurira. “ ‘Uyo unokunda ndichamupa chinhu ichi, kuti agare neni pachigaro changu chevushe, seni vo ndakakunda, ndikagara pamwe chete naBaba vangu pachigaro chavo chevushe.’ ” (Zvakazarurwa 3:21). Kune vamwe vedu inogon akuva hondo yakakurisisa yatinofanira kurwa—kungoziva kushaiwa simba kwedu, kusagona kuzvimiririra; nekugashira rairo yaJesu; kutendevuka; kugashira nguvo yaJesu yekururama pamusoro pedu nemaziso anonyatsokuvona.

Chinofadza ndechekuti Jesu anoziva kusiririsa kwedu, kusapisa kana kutonhora nekutida zvakangodaro. Anoti, “ ‘Unokunda. . . seni ndakakunda’ ” (Zvakazarurwa 3:21). Nekuti wakafa kutiponesa, Jesu akakurira chitema netuso racho. Anonzwisisa hondo dzechitema dzatinosangana nadzo nekuvimbisa kutibatsira.

Vanhu vakawanda muBhaibheri vakadaira rukoko rwaMwari rwesungano naye. Iyi ndiyo nyaya huru kwazvo muBhaibheri rose. Kana tichitarisa vamwe vevanhu ava, tinogona kuvona kuti Mwari wakataura navo zvakasiyana-siyana panguva dzakasiyana.

Ko nyaya idzi dzinotidzidzisei nezvevukama hwaMwari nevanhu vake muzvimiro zvakasiyana-siyana?

Kuti Mwari akanyatsofamba chaiko nevanhu vake kana kuti akangotaura navo chete, chokwadi ndechekuti akagara achingoda kudyidzana nevanhu vake zvikuru. Hazvinei nekuti vukama hwako hwakaita sei naMwari nhasi, Mwari anoda kuva pedyo newe. Tinogona kuverenga nezvepfungwa iyi muna Jeremia 31:3, 4 pazasi:

“Jehova wakazviratidza kwandiri arikure achiti, ‘Zvirokwazvo ndakuda nerudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukakata nevunyoro; Ndichakuvakazve, ipapo uchava wakavakwa, iwe mhandara yaIsraeri; uchashongedzwazve ngoma dzako, uchabuda kunotamba nevanofara’ ”.

Zuva rako ringadaro ririkutanga kana kupera izvozvi, Mwari arikukutsvaka akamirira, achida kukukwevera kwaari. Anoda kuvaka—kana kuvakazve—vukama hwake newe. Kana zvisiri kuitika, dambudziko riri kwauri, harisi kwaari.