HomeResourcesSabbath School quarterly
Zvekudya Zvinogadzirwa Nemidzi
02/04/2026
Kugara muna Kristu kunogona kuita sechinhu chakawoma kwazvo. Tinogona kuda kuzviita, asi kune zvakawanda zvinotikanganisa, zvichitikurira kwazvo. Kutevera Mwari kunoita sechinhu chakatowomesesa kwazvo, zvikuru sei kana kune anodzivisa. Kunamata kunobva kwavamutoro kune anoda kutevera Jesu. Zvinobva kunze zvinokonzera kuti zviremere mwoyo. Zvinodiwa naMwari vukama hwakasimba hwekufambidzana, isiri mirairo chete, asi vukama hwekusarudzwa hwakatangwa naye zvichibva mukuzvisarudzira.
Dzimwe nguva tinogona kumbobatirira paMuzambiringa asi tisiri kugara maari netsinga dzose. Tinogona kuvamukereke, kunamata, nekuita zvose zvakanaka zvatinoziva, asi mukati tisina hunyoro. Chokwadi ndechekuti: Hatigoni kuzvigarisa muna Jesu sezvinongoita davi risingagoni kuzvibatanidza kumuti. Mwari ndiye akatanga kutida; Ndiye akazvitanga. Zvatingaita zvose kudaira kune zvakatangwa naMwari nekuda kwedu.
Kana ukatarisa kumuzambiringa kuti unorarama sei munguva yechirimo, uchadzidza zvinhu zvakakosha kwazvo—mapundu emaruva anoshaya hunyoro nekusvava nekuda kwemwaka wacho. Apo ivhu rinodziya, midzi inobva yakweva mvura, zvekudya zvinotsvakwa nemidzi zvinobva zvakwira nehunde zvichienda kumapundu emaruva zvinopa kukura. Pasina kufamba kwezvekudya izvi zvinobva mumidzi, hapana kukura kungaitika.
Zvekudya izvi zvinokonzera muzambiringa kukura zvakafanana neMweya Mutsvene muvupenyu hwedu. Tinogona kuita sedavi rakafa, asi kana tikasarudza kupedza nguva naMwari, Mweya Mutsvene anodira zvekudya zvinobva mumidzi nekupa vupenyu hunobatsira kukura. Nesuwo tinofanira kuzvisarudzira kugara muna Jesu, tichikumbirawo kunaMweya Mutsvene zvekudya zvinopa vupenyu kuti tivevapenyu.
Mweya Mutsvene ndiye anowunza kukura nekuvona kuti taramba takabatirira paMuzambiringa. Tinofanira kukumbira Mweya Mutsvene zuva rimwe nerimwe, uyo aripano panyika nesu kuti:
- Ave Munyaradzi wedu (Johani 14:16–18).
- Atiratidze Jesu (Johani 15:26).
- Atizivise zvivi (Johani 16:7, 8).
- Atitungamirire muzvokwadi yose (Johani 16:13).