HomeResourcesSabbath School quarterly

Kudzidza Kuenda Mberi

03/04/2026

Tisati taberekwa, Mwari wakatida; akanga ane zano rekuti timuzive. Anotitsvaka, seMufudzi wakanaka, anotikokera kugara maari zuva nezuva. Tinongofanira kusarudza kumubvumira, nekutsinhanisa chimiro chedu chinonzwisa vurombo nehuRodokia hwedu tichipiwa zvipo zvake zvakanaka (tarisa Zvakazarurwa 3:18, 19).

Sekukura zvishoma-shoma kunoita muzambiringa, vukama hwedu naMwari hunogona kukura zvishoma-nezvishoma, kana kuti hunogona kungoputika nekuda kwemvura yakawanda inenge yavekudiwa yanaya. Zvisinei patinge tave kukura nekuwanza muchero yatinoita muvupenyu hwedu, tinoda “zvekudya zvinobva mumidzi” zuva rimwe nerimwe kubva kuMweya Mutsvene, kuti tirambe tiri munaJesu.

“Kugara muna Kristu kunoreva kugashira kubva kuMweya wake nguva dzose, kuzvipira zvachose nguva dzose kubasa rake. Nzira yekutaurirana inofanira kugara iripo nguva dzose pakati pemunhu naMwari wake. Sematavi emuzambiringa, unogara uchikweva zvekudya, saka tinofanira kunamira panaJesu, nekugashira kubva kwaari nesimba rekutenda nekuperera kwechimiro chake.”—Ellen G. White.

“Ko bukirwa risina kubatana namai vemuzambiringa rinova pamwechete namai sei? Ringaitwa sei kuti rive rinowanavo vupenyu nekukura kubva mumuzambiringa mupenyu? Nekungonamatidzwa chete pamuzambiringa, nekunamatidzwa pamuti. Tsinga kutsinga, rwodzi kurwodzi, tsotso dzobatirira kumuzambiringa unopa vupenyu kusvika vupenyu hwemuzambiringa hwava hwedavi, nedavi ravakubereka muchero wakafanana nemuzambiringa.”—Ellen G. White.

Mibvunzo Yekutaurirana:

Pfupiso: Tisati tatanga kukura muhukama naMwari, tinofanira kutanga tafungisisa kuti vukama hwedu naye hwakamira sei izvozvi. Kana hwakaita sehweRodikia kana kuti matavi edu asina michero, Jesu anemhinduro yakanakisisa yedambudziko redu repamweya: kugara maari.