HomeResourcesSabbath School quarterly
Kuziva Mwari
04/04/2026
Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino
Genesi 3:1–5, Revitiko 20:26, 1 Samueri 2:2, 1 Johani 4:7–19, Genesi 1:1, Genesi 2:7, Mateo 1:23, Mateo 28:20.
Chemusoro:
“Vupenyu husingaperi ndiho, kuti vakuzivei imi Mwari muri moga wazvokwadi, naJesu Kristu wamakatuma” (Johani 17:3).
Kunzwisisa chimiro chaMwari zvakanakisisa zvakakoshera vukama neYe. Ndicho chikonzero nei, vhiki ino tichatarisa zvakana nezvinotaurwa neBhaibheri nezvechimiro chaMwari, tichiziva hedu kuti “irima rekusaziva Mwari rakaputira nyika yose. Vanhu varikurasikirwa neruzivo rwechimiro chake. Chakatadza kunzwisiswa nekududzirwa zvisiri izvo. Nguva ino shoko rinobva kunaMwari rinofanira kuparidzwa, shoko rinovhenekera nekupa simba rekuponesa. Chimiro chake chinofanira kuzivikanwa. Murima repanyika chinofanira kuparidzwa nekupenya kwake, chiedza chekunaka kwake, tsitsi dzake, nezvokwadi. . . . Shoko rekupedzisira retsitsi rinofanira kupiwa kunyika, sechiratidzo chechimiro chake cherudo.”—Ellen G. White.
Zvinoita sezvisingakwanisiki kutsanangura chimiro chaMwari zvakazara, saka zvatingatongoita kuvona zvinotaurwa neBhaibheri nezvake. Kana nepo tisingazozivi, zvikuru sei zvose nezvechimiro chaMwari chinoshamisa, ngatinamatirei kuti tidzidze zvimwezve nezvake, nekunzwisisa kwedu nekumuda zvichakura, kuitira kuti pakupedzisira tichada kuswera kwaari kuti tiratidze rudo rwake nechimiro chake kune vamwe.
*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, Kubvumbi 11.