HomeResourcesSabbath School quarterly

Mwari Mutsvene

06/04/2026

Hutsvene harisi izwi rinowanza kushandiswa nevanhu mukutaura kwemazuva ose, zvimwe nekuda kwekuti hatina vanhu vatsvene vakawanda. Sabata idzvene munguva, Mwari mutsvene wo. Asi mazuva edu akawanda haana hutsvene.

Kana ukadzidza nezvezvimiro zvinowanza kunzi ndezvaMwari, uchavona kuti vutsvene huri pakati pezviri Mwari. Asi zvinorevei izvi?

Kana Bhaibheri richitsanangura Mwari rinenge richitaura hutsvene hwakaperera, zvinoreva kuti haana kana chakaipa uye zvivi hazvitombotaurwi nezvake. Mwari akatendeka zvakazara kubva kwekutanga kusvika kwekupedzisira. Saka hutsvene hwaMwari hwaro hwezvimiro zvake.

Semuenzaniso, rudo rwaMwari rwakaperera, rudo rutsvene—rudo rusina kana chindini kana kuzvikudza. Kuziva kwake zvinhu zvose kutsvene, kureva kuti haana zvinangwa zvakaipa maari. Unogona here kuvimba naMwari anoziva zvose asi asiri mutsvene? Taidai tichitomutya kwazvo.

Kuva nesimba rose kwaMwari kutsvene. Imbofungidzira nezvaMwari anesimba rose isiri mutsvene. Aidai anesimba rose, asi anehutsinye. Vutsvene hwaMwari chete hunotipa kuti tivimbe naye nekumuda, nekuti wakanaka kubva pakutanga kusvika kumagumo. Ndicho chikonzero nei hutsvene chiri chimiro chakakosha kwazvo kunzwisisa nezvechimiro chaMwari. Asi, zvimwe, ndicho chimiro chisinga- nyatsonzwisiswa wo.

Funga nezvavanhu vemuBhaibheri vakaita saana Mosesi, Isaya, Ezekieri, Danieri, naJohane, vakambomira pamberi pake. Vakanzwa sei pakutanga? Vakabvisa shangu dzavo, vakavanza zviso zvavo, vakawira pasi sevakafa. Sevanhu, tirivatadzi tisiri vatsvene zvekuti hatigoni kumira pamberi pake. Sezvo vanhu vasingagoni kutarisa Mwari vakararama. Sezvakaitawo Ellen G. White paakainda kudenga mumuvono, akabva adanidzira nguva dzose achiti, “Mutsvene. . . mutsvene . . . mutsvene,” nekuti ndiro izwi roga raiita serinoburitsa chaizvo zvaaivona. Hongu, zvisikwa zvina zvipenyu hazvizorori vusiku nemasikati kudaidzira kuti, “ ‘Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Jehova, Mwari Wemasimba Ose!’ ” (Zvakazarurwa 4:8).