HomeResourcesSabbath School quarterly
Kudzidza Kuenda Mberi
10/04/2026
Mwari anokokera vanhu vake kuti vamiririre chimiro chake, asi, kuzviita izvi, tinofanira kumuziva isu pachedu toga. Nzira yakanakisisa yekumuziva, zvisinei nezvimiro zvedu zvezvivi zvinowanzotikanganisa mukuvona nzira dzake dzakanaka kuburikidza neShoko rake, Bhaibheri.
“Rudo rwose rwaBaba rwakabva nekumazera ose ruchipinda nemumwoyo yevanhu, zvitubu zvose zvakapfuvura zvakazaruka mumwoyo yevanhu, zvinodira mugungwa kana zvichienzaniswa nerudo rwaMwari rukusingaperi. Rurimi harukwanisi kuzvitaura; penzura haikwanisa kuzvinyora. Unogona kufungisisa nezvazvo zuva rimwe nerimwe revupenyu hwako; unogona kunzvera Magwaro zvakasimba kuti uzvinzwisise; unogona kutsvaka masimba ose awakapiwa naMwari, mukuedza kunzwisisa rudo nengoni zvaBaba vekudenga; asi kunoramba kune kusingaperi kumberi kwacho. Unogona kurudzidza rudo urwu kwevupenyu hose; asi haugoni kusvika pakunzwisisa zvakazara kudzama kana kureba kana kufara kwerudo rwaMwari mukupa Mwanakomana wake kufira nyika. Kusingaperi hakukwanisi kuzviratidza zvakazara. Hongu kana tikadzidza Bhaibheri nekutora nguva tichidzeya nezvevupenyu hwaKristu hwekutidzikinura, nyaya huru idzi dzichawedzera kunzwisisa kwedu.”—Ellen G. White.
Mibvunzo Yekutaurana:
Pfupiso: Kubva pakusika, Mwari aida vukama nesu. Kana nepo kunzwisisa kwedu chimiro chake irinyaya huru kunaSatani, Mwari anozivisa kwatiri zviripachena neShoko rake nevupenyu hweMwanakomana wake Jesu. Saka, kunyatsonzwisisa chimiro chaMwari zvakatikoshera muhukama naye.