HomeResourcesSabbath School quarterly

Immanueri, Mwari Anesu

09/04/2026

Kana waingada kuvudza munhu asiri Mukristu nezvaMwari nechimiro chake, waingatarisa papi?

Mhinduro yakanyanya kunaka, apa, hongu, ndeyekuti pana Jesu. Bhaibheri hariti Jesu akaratidza izvo Mwari ari chete, asi anoratidza Mwari. Kune ndima dzakawanda dzemuBhaibheri dzinotsanangura izvi, asi imwe inozviita zvakanaka chaizvo ndiJohani 14:9. Apa, Jesu anoti, “ ‘Uyo avona ini avona Baba’”. Kana tichida kuziva zvakawanda nezviri Mwari, tinofanira kutarisa panaJesu—mashoko ake, mabasa ake, tsika dzake, nerudo rwake rukuru kuvanhu nemurufu rwake nerumuko.

Rudo nehanya zvaBaba zvinonyatsoratidzwa muMwanakomana wake Jesu. Runako rweBhaibheri nderwekuti rakatipa mavonero mana akasimba evupenyu hwaJesu kuitira kuti tinyatsovona mufananidzo wake wakazara. Muna Mateo (bhuku rakanyorwa nemuJudha, achinyorera maJudha), tinovona Jesu saMessia akanga amirirwa kwenguva yakareba akazadzisa zvakavimbiswa pamusoro pake. Muna Marko tinovona Jesu achirarama vupenyu hwebasa nekuzvipira. Aigara achingofunga vamwe nekubvuma zvose zvaidiwa naBaba. Muna Ruka, tinogona kuverenga nezvakanzvikwa naJesu, ari munhu wakazara nekunzwira, tinogona kuzviverenga izvi kuti tiwane rusimbiro kuti zvataverenga ndezvechokwadi (Ruka 1:3, 4). MunaJohane, tinovona wakazviita munhu Mwanakomana waMwari nekukokwa kutenda kuti Jesu ndiye waanoti ari kuitira kuti tisimbiswe pamweya. Kana nepo Mavhengeri ose mana achitsvakurudza nyaya imwechete iyi, “haativudzi nenzira yakafanana. Munyori mumwe nemumwe anekatauriro kake uye kusiyana uku kunotibatsira kuvona zvimwe nekudzikisa ruzivo runovuya kupindura zvangadiwa nepfungwa dzakasiyana-siyana.” —Ellen G. White. Nderipi vhangeri rawakaverenga mazuva mashoma apfuvura?

Tangobata pamusoro penyaya iyi yakakura kwazvo, yechimiro chaMwari. Mwari mukurusa uye hatingakwanisi kumunzwisisa uye tichasvika kusingaperi tichingodzidza nezvake.