HomeResourcesSabbath School quarterly
Mwari Rudo
07/04/2026
Rudo zvimwe ndiro izwi rakajairika kushandiswa neMakristu kutsanangura chimiro chaMwari. Zvimwe chikonzero ndechekuti zita raMwari rinozivikanwa muna 1 Johani 4:8, nderekuti, “Mwari rudo.” Johani haana kuti, “Mwari anerudo,” asi kuti, “Mwari rudo.” Rudo ndicho chimiro chake, zvaari chaizvo.
Kuvanhu vakawanda, mufananidzo waMwari kwavari unobva munezvavakasangana nazvo munyaya dzerudo, zvinowanza kuva zvisina kunaka kana kukwana. Asi, zvatinoziva chaizvo serudo zvinofanira kutizivisa izvo Mwari ari nezvaanoratidza pamusoro pake muShoko rakafemerwa.
Rudo rwaMwari rwakaperera, harubhadharwe, uye runoitwa zvinevuchenjeri, sezvinovonekwa murukoko runodzokororwa rwadzokororwazve rwekuti “garai” mandiri muna 1 Johane, nekuti “takaziva tikatenda rudo rwatakaitirwa naMwari. Mwari rudo, uye uyo unogara muna Mwari, Mwari arimaari” (1 Johani 4:16). Mwari rudo akatisika mumufananidzo wake (Genesi 1:27) kuti timude tifare murudo rwake. MuchiHeberu izwi rimwe rerudo hesedi. Rinotsanangura sungano yaMwari yerudo nevanhu, richiputira zvimiro zvekutendeka, kudzivirira, rudo rusingaperi nevunyoro.
Ndimi dzekare dzechiHeberu nechiGiriki dzinoshandisa mazita akawanda kureva Mwari, mazita anotaura nezvaanoreva muzvimiro zvakasiyana-siyana zvekunaka kwaMwari. Heinoi mienzaniso miviri chete:
- Adonai: Jehova wazvose, anotonga nekusingaperi, kana tichitarisa sungano (Genesi 15:2, Vatongi 6:15, Maraki 1:6, Mapisarema 97:5).
- Yahweh-Yireh: Jehova-Acha-Pa (Genesi 22:13, 14).
Pakupedzisira, chiratidzo chikuru chaMwari chinovonekwa kuburikidza nechipo cheMwanakomana wake kunyika (Johani 3:16) akafira vatadzi (VaRoma 5:8). Mwari aingadai akarega kupa vanhu Mwanakomana wake, asi nekuda kwekukura kwerudo rwake, rusina miganhu rwakakomba kwazvo, Mwari akatuma Jesu panyika kuti isu tikwanise kuzvisarudzira kugashira rudo rwake, rwakaratidzwa nerufu rwekuzvipira rwakaitirwa isu. Jesu haana kungovaka zambuko chete raitiparadzanisa naMwari nekuda kwezvivi (Isaya 59:1, 2), akararamira kutiratidza chimiro chaMwari chakaperera cherudo (Johani 14:9, VaHebheru 1:3) nekukwevera vanhu vose kwaari (Johani 12:32).