HomeResourcesSabbath School quarterly

Mwari Mukusika

08/04/2026

Unogona kuva unotoziva mazwi ekutanga emuBhaibheri nemusoro: “Pakutanga Mwari akasika.” MuchiHeberu, izwi rekuti Mwari ndiElohim. Kana nepo izwi iri richigona kushandiswa kana uchitaura nezvezvimwari zvenhema, asi kana richitaura nezvaMwari wazvokwadi, rinotsanangura anemasimba ose, anogona zvose Musiki munyaya yezvisikwa zvose; mukuru kwazvo atisingagoni kunzwisisa asi anesimba pamusoro pazvose. Anesimba zvakadaro zvekuti kana achitaura, pane chinotosikwa neizwi.

Asi muchitsauko chinotevera, Genesis 2, panowanikwa zita raMwari rakasiyana: Yahweh. Rinobatanidza Elohim (Yahweh Elohim), zvimwe chete izvozvo zveane masimba ose, Mwari wemasimba ose; asi zita rekuti Yahweh nderake chairo sezita remunhu rekutanga riri raMwari mumwe woga wazvokwadi, rinowanza kushandiswa kusimbisa kuti ndiMwari wesungano, anoda vanhu vake vaakasika.

Apa muna Genesis 2:7, tinogona kufungidzira Mwari achifugama kuwumba munhu wekutanga kubva muguruva revhu nemavoko ake. “Zvino Jehova Mwari akawumba munhu neguruva revhu, akafemera mweya wevupenyu mumhino dzake; munhu akava chisikwa chipenyu.” Ndiye Mwari anoswedera—anoswedera pedyo zvekufemera vupenyu. Zita rekuti, Yahweh, rinoratidza Mwari werudo, asi Mosesi anoshandisa ose muzvitsauko zviviri zvekutanga zveBhaibheri kutsanangura zvimiro zviviri zvaMwari kwatiri.

Zvinoshamisa sei izvi! Tinowona apa vukuru-kuru hwaMwari kwatiri saElohim, nekuva kwake pedyo-pedyo, saYahweh. Zvakatikoshera sei kufunga nezvezvimiro izvi zviviri zvechimiro chaMwari: kuva kwake nesimba pamusoro pezvinhu zvose nekuva kwake pedyo nesu. Sezvakataurwa naPauro kuvagari veAtenisi paMars Hill: “ ‘Haasi kure nemi kana nemumwe wedu; nekuti maari tinorarama tinofamba tiri zvatiri’ ” (Mabasa 17:27, 28).

Zvakakosha kuti tirambe tichitsvaka kujekerwa mukuziva mufananidzo waMwari takatsamira pane zvatinovudzwa neBhaibheri nezvechimiro chake kuti tikure muvukama. Saka zvakakosha kuverenga Bhaibheri rose pane kutarisa kachikamu kaduku chete. Zvechokwadi paticharamba tichidzidza nezvechimiro chaMwari, tichadzidza kumudawo zvakanyanya.